Badza

Ribadza kana badza (kureva hoe muChingezi) pauwandu tichiti mapadza, mudziyo kana kuti turuzi rinoshandiswa kutimba, kuchera nekusakura. Badza rine mupinyi kana kuti mubato wakareba zviri pakati pe 0.5-1.0m; kune rimwe divi rebadza kunenge kune gwati resimbi rinopfekerwako rakachinjikana nemupinyi. Gwati resimbi iri ndiro rinotemeswa pasi kana kuchiitwa mabasa ekuchera, kutimba kana kusakura.

Mhando dzemapadza dinosanganisira: chikuruwo, chifengu.

Chikuruwo zvinoreva badza rasakara rapera gwati resimbi racho rinochera. Aka kanodanwa zvakare kuti: chimwango, kakuruwo kana kuti kaserima.

Munhu ari kusakura nebadza.

Tsika

MuZimbabwe mune mazita emhuri ane chekuita nebadza anosanganisira: Badza, Nyabadza, Badzarigere, Chikuruwo.

  • Gwao, magwao (Old hoe) kureva gwau kana badza rasakara. Vamwe vangati mugwau. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Mugawu?
  • Muyangwa kana muvangwa (ridge on metal article).
  • Kukaraura (Scratch ground with a hoe).
  • Kuchera, kutsa kana kupanda (to dig).

Kurerutsa Mutauro

Tsumo

Mitauro Imwe Yemu Africa

  • Swahili vanoti kiselema kana kichelema (an implement (hoe, knife, pencil) that has been worn down by much use).
  • Iton vanoti bàgbà (n. stick) kureva chimuti. Chichaga vanoti makumbi (n. hoes) kureva mapadza.